Psalms 28

Pisarema raDhavhidhi.

1Ndinodana kwamuri, imi Jehovha Dombo rangu;
musandinyararira.
Nokuti kana mukaramba munyerere,
ini ndichaita savaya vakaburukira kugomba.
2Inzwai kuchemera ngoni kwangu,
sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri,
sezvo ndichisimudza maoko angu
ndakatarira kuNzvimbo yenyu Tsvene-tsvene.

3Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa,
naavo vanoita zvakaipa,
vanotaura rugare navavakidzani vavo
asi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo.
4Vatsivei pamabasa avo
napabasa ravo rakaipa,
vatsivei pane zvakaitwa namaoko avo;
mugodzosera pamusoro pavo zvakavafanira.

5Sezvo vasina hanya namabasa aJehovha
uye nezvakaitwa namaoko ake,
achavaputsira pasi
akasavavakazve.

6Jehovha ngaarumbidzwe,
nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni.
7Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu;
mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa.
Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro
uye ndichamuvonga nenziyo.

8Jehovha ndiye simba ravanhu vake,
nhare yoruponeso yomuzodziwa wake.
9Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu;
ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi.
Copyright information for SnaBDSC